Gwaro Rekodzero Nezvinofanira Kutevedzerwa (Bill of Rights and Responsibilities, BRR) Pakuita Tsvagurudzo Dzeutachiwana HweHIV
Chinyorwa chino chinodonongodza muchidimbu kodzero nezvinofanira kutevedzerwa kana uchinge wapinda muchirongwa chekuedzwa kwemishonga yekudzivirira kutapurirana utachiwana hweHIV (HVTN) chinoitirwa muzvipatara. Chinangwa chegwaro reKodzero neZvinofanira kutevedzerwa rino ndechekubatsira vanenge vapinda muchirongwa chetsvagurudzo kuti vazive zvavanofanira kuita pamwe chete nevashandi vechirongwa ichi. Ongororai bepa rekupa mvumo yekupinda muchirongwa chetsvagurudzo kuti muzive zvakawanda.
Kodzero dzevachapinda muchirongwa chetsvagurudzo
Semunhu apinda muchirongwa chetsvagurudzo dzekuedzwa kwemishonga yekudzivirira kutapurirana utachiwana hweHIV nezvimwe zvakadaro (HVTN) chinoitirwa muzvipatara, une kodzero dzinotevera:
- Kupiwa ruzivo rwose rungadaro rwuripo, kusanganisira njodzi dzinogona kukuwira kana zvaungabatsirike nazvo kubva mukupinda muchirongwa chino chetsvagurudzo, nenzira yaunonzwisisa. Uchaziviswazve nezverumwe ruzivo rutsva rwauchadzidza munguva yechirongwa chino chetsvagurudzo.
- Kupindurwa mibvunzo yese yaungawa nayo.
- Kuramba kupinda muchirongwa chetsvagurudzo kana kusarudza kubuda machiri chero pane ipi zvayo nguva. Unogonawo kuramba kupinda mune dzimwe tsvagurudzo dzinozouya mumashure meyekutanga dzauchataurirwa nezvadzo. Hapana kodzero dzakatsanangurwa muchinyorwa chino dzaucharasikirwa nadzo nekuda kwekuti wasarudza kuramba kupinda kana kubuda muchirongwa chino chetsvagurudzo.
- Kuva muchirongwa chinoitwa pasina rusarura. Sarudzo dzako semunhu, zvaunokoshesa, zvaunofunga, netsika dzako zvicharemekedzwa nevanhu vachenge vachifambisa chirongwa chetsvagurudzo.
- Kutumidzirwa kune vanoita zvekuraira, vanopa rutsigiro, vezveutano, kana kune vanorapa kana uchinge warwara panguva yauchange uri muchirongwa chino chetsvagurudzo, kusanganisira zvakanangana neutachiwana hweHIV.
- Kuwana rubatsiro rwuri maererano nekugadzirisa matambudziko angawanikwa mukutaudzana kwakanangana nechirongwa chino kana rusarura. Kana ukatipa mvumo, tinogona kutaura nevanhu vauchati titaure navo kuti vatsanangure zvakawanda pamusoro pekupinda kwako muchirongwa chino chetsvagurudzo.
- Kurapwa maronda, kana uchinge wakuvara, pane kupi kukuvara kunogona kuuya nekupinda muchirongwa chino zvichinangana nemishonga kana zvinoitwa muchirongwa chino, kusvikira padanho rakatsanangurwa mubepa rino rekupa mvumo yekupinda mutsvagurudzo. Pane mari iri padivi yakanangana nekukurapisa. Boka rinoita ongororo yekuchengetedzeka kwenyu ndiro rinoona kukodzera kwekuenderana kwekurwara kwako nechirongwa chino. Unogona kuti zvaonekwa neboka iri zviongororwezve kana usingawirirani nazvo. Pane dzimwe nguva, mari inenge iri parutivi inogona kutadza kukwana kurapwa kwako. Vanenge vari muchirongwa vanogona kukumbira imwe mari inenge ichidiwa, asi hatingakuvimbisi kuti inowanikwa. Vashandi vechirongwa chetsvagurudzo vachakupa rumwe ruzivo pamusoro penyaya iyi pamwe nekupindura chero mibvunzo yaunogona kuva nayo kana kukutumira kune vavanofunga kuti ndiye chaiye akakodzera kukubatsira.
- Kuvhenekwa utachiwana hweHIV kunoitwa nemhando yepamusoro-soro panguva yauchange uri muchirongwa chino chetsvagurudzo. Kana, pakupera kwechirongwa chetsvagurudzo, ukawanikwa kuti wava neutachiwana hweHIV zvichikonzerwa nekushandisa mushonga uchashandiswa mutsvagurudzo ino kwete nekuda kwekuti wakautapurirwa kunze, unogona kuramba uchivhenekwazve pachipatara chinenge chiri muchirongwa chino kana kubudikidza kwechirongwa chino chekuedzwa kwemishonga yekudzivirira kutapurirana utachiwana hweHIV (HVTN) kusvikira zvoratidza kuti hauchina utachiwana.
- Rubatsiro mukuzadzikisa zviri maringe netsvagurudzo ino. Zvese zvauchada zvinodiwa kuzadzikisa tsvagurudzo ino uchazviziviswa paunenge uchiitira tsvagurudzo.
- Kuchengetedzwa kweruzivo. Mashoko ese nemagwaro ari maererano newe nekupinda kwako muchirongwa chino chetsvagurudzo zvichagoverwa chete pazvakakodzerwa mukufambiswa kwechirongwa chino, kana sekudiwa kwazvinoitwa nemutemo. Ongororai bepa rekupa mvumo yekupinda muchirongwa ramuchapiwa panzvimbo yamuchaitira.
- Piwa chitupa chine mufananidzo wako chinoratidza kuti uri muchirongwa chino. Chitupa chino chaunogona kupiwa ngachive nenhamba yako yerunhare kana kero yeumwe munhu anogona kupa rumwe ruzivo.
- Chengetedza kodzero dzako. Kuva kwako mutsvagurudzo ino, hakurevi kurasa kodzero dzako.
- Taurirwa kuti wakapihwa mushonga here kana kuti mushonga uchiri kushanda panguva yetsvagurudzo uye kuti unopera kushanda riini, kana kuti uchiri kudiwa here.
- Ziviswa nezvemafambiro echirongwa chetsvagurudzo, kusanganisira kuti zvinobuda mutsvagurudzo zvinowanikwa panguva dzipi, zvakare ita kuti vanotungamira chirongwa chino vapote vachizivisana newe zvawanikwa mutsvagurudzo dzinenge dzichiitwa.
- Ziva neruzivo maererano nezvingade kubhadharwa nekuda kwekupinda kwako muchirongwa chino uye kuti uchabhadharwa muripo wekupinda kwako muchirongwa kwako sei.
Zvinofanira kuitwa neapinda muchirongwa chino chetsvagurudzo
Semunhu apinda muchirongwa chekuedzwa kwemishonga yekudzivirira kutapurirana utachiwana hweHIV ne Shuramatongo (HVTN/AIDS), unofanira ku:
- Kuongorora nekuratidza kunzwisisa zvose zvekushandisa zvauchapihwa, kusanganisira bepa rekupa mvumo yekupinda muchirongwa. Unofanira kubvunza pane chipi zvacho chausinganzwisisi usati wabvuma kupinda muchirongwa chino chetsvagurudzo. Unogonazve kubvunza mibvinzo pane ipi zvayo nguva yetsvagurudzo.
- Ita sarudzo ine ruzivo kuti wopinda here muchirongwa chino chetsvagurudzo mushure mekunge watarisisa njodzi dzingakuwira uye zvaungabatsirika nazvo. Zvakakosha kuti uzive kuti iyo tsvagurudzo yacho yakambonangana nei. Vashandi vemuchirongwa chetsvagurudzo ino vachakubatsira panyaya iyi. Kana zvichikubatsira kuita sarudzo, taura kune vanhu vaunovimba navo nekuremekedza kuti zvakakunakira here kuti upinde muchirongwa chino chetsvagurudzo.
- Taurira nekukasika vanofambisa basa rechirongwa paunongosangana nekusarudzwa kana njodzi yaunfunga kuti ine chekuita nechirongwa chino chetsvagurudzo.
- Usawanikwe uchipa ropa kana nhengo dzemuviri kana zvimwewo zvinobuda mumuviri wako.
- Vhenekwa zveutachiwana hweHIV panzvimbo dzauchaitira chirongwa chino chetsvagurudzo chete pese pachinenge chichiri kuenderera mberi. Zivisa vashandi vechirongwa chetsvagurudzo kana uchifanira kundovhenekwa utachiwana kune imwewo nzvimbo.
- Kana uchikwanisa kuita pamuviri, chimbomira kubata pamuviri panguva yechirongwa chino chetsvagurudzo kubudikidza nekushandisa nzira dzekudzivirira pamuviri dzinonyatsoshanda. Vashandi vechirongwa chetsvagurudzo vachaita ongororo yenzira dzekudzivirira kubata pamuviri dzinonyatsoshanda.
- Chengetedza nguva dzaunodiwa kuita zvetsvagurudzo. Taurira vari kufambisa basa retsvagurudzo nekukasika kana uchinge wangoona kuti unoda kuchinja nguva yekuti usangane nevari kufambisa basa retsvagurudzo.
- Remekedzawo vashandi vechirongwa chetsvagurudzo.
- Chengetedza zvakavanzika zviri maererano nevamwewo vari muchirongwa chino chetsvagurudzo.
- Ipa vashandi vechirongwa chetsvagurudzo ruzivo rwechokwadi uye rwakakwana. Zivisa vashandi vechirongwa chetsvagurudzo kana pachinge paita shanduko maererano nepaunowanikwa kana mamiriro ehutano hwako.
- Tevedza mirairo yese yaunopiwa nevashandi vechirongwa nepese paunogona. Shanda pamwe chete nevashandi vechirongwa chetsvagurudzo kuitira kuzvidzivirira kunjodzi nekuchengetedza hutano.
- Zivisa nekukasika vashandi vechirongwa chetsvagurudzo kana waona kuti hauchakwanisi kuenderera mberi uri mutsvagurudzo kana kuti wafunga hauchada kunga uri muchirongwa chetsvagurudzo.
Zvinofanira kuitwa nevashandi vechirongwa chetsvagurudzo
Vashandi vechirongwa chekuedzwa kwemishonga yekudzivirira kutapurirana utachiwana hweHIV (HVTN), kusanganisira Mutsvaguridzi mukuru pachipatara chichaitirwa tsvagurudzo ino, vanofanira ku:
- Kubvunza vemunharaunda panyaya dzekuitwa kwetsvagurudzo woona kuti pane kuenzanirana pane avo vachapinda muchirongwa chetsvagurudzo.
- Kuva vanoshanda vari pasi pesangano revanoona nezvemafambisirwo etsvagurudzo, zvakaita sesangano reInstitutional Review Board (IRB) kana mamwe masangano anoona nezvemafamisirwo akanaka etsvagurudzo.
- Kuwana bvumo kubva kune vese vachapinda muzvirongwa zvese zvakanangana netsvagurudzo. Kana pakaita shanduko huru mukufambira mberi kwetsvagurudzo, bvumo kubva kune vari muchirongwa chetsvagurudzo inofanirazve kukumbirwa.
- Kufambisa mberi basa retsvagurudzo nenzira iri pamutemo, kusanganisira kuchengetedza kodzero, kuvanzika kwezviri maererano netsvagurudzo, uye upenyu hwevachapinda muchirongwa chetsvagurudzo. Pakuera kwechirongwa chetsvagurudzo, vashandi vechirongwa chetsvagurudzo vanofanira kuzivisa vanga vari mutsvagurudzo kuti mushonga upi wavanga vachishandisa pamwe chete nekupakurirana nevanga vari mutsvagurudzo uye venharaunda zvakawanikwa mutsvagurudzo.
- Zvichienderana nekukodzera kwazvo, kutumidzira kune vanoraira, vanoona nezvekudzivirirwa kwekutapurirana kweutachiwana hweHIV, kana vanobatsira vashungurudzika mupfungwa munguva inenge ichiitika tsvagurudzo.
- Kupindura mibvunzo kana zvichemo zvese zvevanenge vari muchirongwa chetsvagurudzo.
- Kubata vanenge vari muchirongwa chetsvagurudzo zvakanaka.